Shona Anglican Hymn 177 Vamambo vapano pasi
1. VAMAMBO vepano pasi
Vanozonda vakaona
Jesu uchikudzwa wega
Nokusimbisa vako
2. Murwiri wedu mushingi
Ha’po angafane newe
Une simba rokumisa
Nokusimudzira vako.
3. Zvawakapirwa ndiJesu
Haungazviripiriba;
Nhaka yokusununguka
Wopfuurwa nayo here?
4. Kana achikudisisa
Kusekwa kunova pasi
Kana uchiurayiwa
Umukudze wakukudza
5. Akatenda kuitiwa
Shamwari yavanyangadzi
Wakanzwa kuchema kwazvo
Saka tichimutunhidza.
6. Ngaakudzwe navatsvene,
Ngerosi dairaiwo
Nayewo Baba Musiki
Nomweya Unoyerazve
Amen.