Shona Methodist Hymns
Hymn 23 Makasiya ngundu Lyrics
Makasiya ngundu
Noumambo hwenyu
Zvamauya pano pasi;
Asi mubetrehem
Makashaya imba
Yokuti muzvarirwe;
Pindai mandiri Jesu,
Mugare mumwoyo wangu.
Vari kudenga
Vakakukudzai
Pakuzvarwa kwenyu Ishe,
Asi makauya
Zvakapfavisa
Makazvarwa somurombo;
Pindai mandiri Jesu,
Mugare mumwoyo wangu.
Makauya Jesu
Neizwi benyu
Rokutisunungura,
Asi makazvidzwa
Nokuroverwa
Pamuchinjikwa, Ishe;
Pindai mandiri Jesu,
Mugare mumwoyo wangu
Vari kudenga
Vachakukudzai
Pakukunda kwenyu Ishe;
Zvino ndichakunzwai
Muchindidaidza
Kuti nzvimbo iri pano;
Ndichafara kwazvo mumwoyo
Kana mondidaidza.