Skip to content

info@example.com

Treasure Hymns In Shona

  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service
  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service

Hymn 306 Waniso Lyrics

  1. Home   »  
  2. Hymn 306 Waniso Lyrics

Hymn 306 Waniso Lyrics

December 14, 2025 treasurehymnsNziyo Dzekereke RCZ hymnal

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 306 Waniso Lyrics

 

1
Hama dzangu,
Imi, ……..na…….. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka
chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare
tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,
ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi
norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama
noruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa
Adama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi
wakamufanira kuti ave mukadzi wake.

PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume
nomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake,
akabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari
chaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi
wake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana
wakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda
kwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave
nomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo
pamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari,
haifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga.

Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa
vagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi
napakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo
panzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve,
nokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye
mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari
vaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere
yaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa.

Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro
pezvavanofanira kuitirana,

_Zvino mufundisi achati kumurume:_

Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti
umutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita
musoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke
yake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze,
uchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi
venhaka yenyasha dzaMwari.

_Zvino mufundisi achati kumukadzi:_

Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama
sezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera
Kristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba
yako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira
uchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka.

_Mufundisi achati kuna vanowaniswa:_

Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana).

_Achati. kumurume:_

Iwe…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi
wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange
kuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi,
sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

_Achati kumukadzi:

_

Iwewo…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu
chose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara
naye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

**Ropafadzo**

Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo
rwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.

Post navigation

Previous: Hymn 305 Chirayiro Chashe Lyrics
Next: Hymn 307 Kugadzwa Kwavatariri Namadhikoni Lyrics

Leave a Reply Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Hymns You May Like

  • Hymn 79 Mugoshanangurwa, Vatendi, Tsungai Lyrics
  • Hymn 123 Sezva Ndinorangarira Kufa kwaShe Lyrics
  • Hymn 167 Virikidzai Tenzi wedu, Mambo wembiri Lyrics
  • Hymn 188 Sarai neni kwavira zvino Lyrics
  • Hymn 255 Ngemasoko okufara Lyrics
  • Hymn 89 Vanhu uyai kuna Jesu SHE Lyrics
  • Hymn 100 Mweya unegrasia Lyrics
  • Hymn 185 Ndinoda iro soko Lyrics
  • Hymn 40 MaKristu ngatirumbidzei Lyrics
  • Hymn 55 Matambira Jesu Here Lyrics
  • Hymn 202 Wouya wouya Mucheki mukuru Lyrics
  • Hymn 315 Over and over Lyrics
  • Hymn 6 Mukudzei iye Mwari Lyrics
  • Hymn 24 Usiku ihwohwo Lyrics
  • Hymn 152 Mazwi Akanaka Lyrics
  • Hymn 160 Madeko paKapernume Lyrics
  • Hymn 227 Murukai muimbirei Lyrics
  • Hymn 260 Ishe komborera Afrika Lyrics
  • Hymn 221 Machinda avatsvene Lyrics
  • Hymn 34 Chinzwa nzwi raJesu Lyrics
  • Hymn 14 Richave zuva guru zvirokwazvo Lyrics
  • Hymn 205 Ndomuruka Lyrics
  • Hymn 187 Ndakanyara ndondovata Lyrics
  • Hymn 165 Nyange ndiri murombo Lyrics
  • Hymn 165 Wakarega Mbiri yako Lyrics
  • Hymn 124 Tenzi nzwimbo yako Lyrics
  • Hymn 127 Ndinosimuda SHE Lyrics
  • Hymn 194 Kwaziwai Vanyai vaSHE. Lyrics
  • Hymn 186 Zuva rino raenda Lyrics
  • Hymn 155 Apo ndatambudzika Lyrics
  • Hymn 80 Kwamuri Lyrics
  • Hymn 155 Zviri Pasi Peropa Lyrics
  • Hymn 82 Tinovirikidza Lyrics
  • Hymn 173 Ndini chibwizana Lyrics
  • Hymn 198 Chidonzwai dare rorira Lyrics
  • Hymn 223 Nguva yakakomborerwa Lyrics
  • Hymn 26 Wouya Nhasi, Here? Lyrics
  • Hymn 90 Vachinyi vangasunungurwa. Lyrics
  • Hymn 12 Hareruya Muponesi Lyrics
  • Hymn 53 Uyai mose ticheme Lyrics
  • Hymn 231 Tinouya kuna Mwari Lyrics
  • Hymn 58 Jesu wakamukazve Lyrics
  • Hymn 15 Tinokukudza iwe zuva redu Lyrics
  • Hymn 3 Ndinotenda Baba wangu Lyrics
  • Hymn 182 Vana Mai KuKalvari Lyrics
  • Hymn 236 Baba! mune simba rose Lyrics
  • Hymn 308 Kuvigwa Kwavakristu Lyrics
  • Hymn 230 Mwari ano rudo Lyrics
  • Hymn 152 Avo vanotenda Lyrics
  • Hymn 162 Ndasunungurwa, Ndatenda, She Lyrics
  • Hymn 76 Ruponiso! Runofadza! Lyrics
  • Hymn 179 Dzvara muchinjiko wako Lyrics
  • Hymn 118 Jesu mudisi woMweya Lyrics
  • Hymn 51 Nyasha Huru Lyrics
  • Hymn 263 Ndofamba naJesu ari mumwoyo Lyrics
  • Hymn 303 Mashoko okugamuchirwa kwemitezo mitsva Yekereke Lyrics
  • Hymn 105 Mufudzi Wanga NdiJesu Lyrics
  • Hymn 46 Mweya Mutsvene, Ndinatsei Lyrics
  • Hymn 213 Baba wedu tinouya Lyrics
  • Hymn 80 Muviri wangu Jesu Lyrics

Archives

  • December 2025
  • November 2025

Categories

  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
  • Shona Anglican Hymns
  • Shona Baptist Hymns
  • Shona Methodist Hymns
  • Uncategorized
Proudly powered by WordPress | Theme: goldy-mex by inverstheme.
Go to mobile version