Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 306 Waniso Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 306 Waniso Lyrics

 

1
Hama dzangu,
Imi, ……..na…….. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka
chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare
tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,
ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi
norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama
noruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa
Adama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi
wakamufanira kuti ave mukadzi wake.

PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume
nomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake,
akabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari
chaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi
wake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana
wakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda
kwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave
nomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo
pamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari,
haifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga.

Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa
vagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi
napakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo
panzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve,
nokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye
mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari
vaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere
yaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa.

Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro
pezvavanofanira kuitirana,

_Zvino mufundisi achati kumurume:_

Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti
umutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita
musoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke
yake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze,
uchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi
venhaka yenyasha dzaMwari.

_Zvino mufundisi achati kumukadzi:_

Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama
sezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera
Kristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba
yako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira
uchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka.

_Mufundisi achati kuna vanowaniswa:_

Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana).

_Achati. kumurume:_

Iwe…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi
wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange
kuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi,
sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

_Achati kumukadzi:

_

Iwewo…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu
chose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara
naye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

**Ropafadzo**

Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo
rwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.

Exit mobile version