Skip to content

info@example.com

Treasure Hymns In Shona

  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service
  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service

Hymn 306 Waniso Lyrics

  1. Home   »  
  2. Hymn 306 Waniso Lyrics

Hymn 306 Waniso Lyrics

December 14, 2025 treasurehymnsNziyo Dzekereke RCZ hymnal

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 306 Waniso Lyrics

 

1
Hama dzangu,
Imi, ……..na…….. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka
chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare
tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,
ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi
norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama
noruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa
Adama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi
wakamufanira kuti ave mukadzi wake.

PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume
nomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake,
akabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari
chaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi
wake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana
wakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda
kwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave
nomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo
pamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari,
haifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga.

Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa
vagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi
napakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo
panzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve,
nokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye
mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari
vaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere
yaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa.

Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro
pezvavanofanira kuitirana,

_Zvino mufundisi achati kumurume:_

Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti
umutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita
musoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke
yake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze,
uchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi
venhaka yenyasha dzaMwari.

_Zvino mufundisi achati kumukadzi:_

Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama
sezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera
Kristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba
yako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira
uchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka.

_Mufundisi achati kuna vanowaniswa:_

Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana).

_Achati. kumurume:_

Iwe…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi
wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange
kuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi,
sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

_Achati kumukadzi:

_

Iwewo…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu
chose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara
naye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

**Ropafadzo**

Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo
rwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.

Post navigation

Previous: Hymn 305 Chirayiro Chashe Lyrics
Next: Hymn 307 Kugadzwa Kwavatariri Namadhikoni Lyrics

Leave a Reply Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Hymns You May Like

  • Hymn 217 Asvika mangwanana Lyrics
  • Hymn 14 Richave zuva guru zvirokwazvo Lyrics
  • Hymn 165 Nyange ndiri murombo Lyrics
  • Hymn 290 SHE Jesu wakandirwira Lyrics
  • Hymn 138 Ngatibatei Nesimba Lyrics
  • Hymn 158 Hakuna Nzvimbo Yavakaipa Lyrics
  • Hymn 24 Ndiye Mwari Muponisi Lyrics
  • Hymn 216 Ishe muno utsvene Lyrics
  • Hymn 58 Ndodzoka, Ndodzoka Lyrics
  • Hymn 202 Wouya wouya Mucheki mukuru Lyrics
  • Hymn 66 Nomusi weSvondo Lyrics
  • Hymn 164 Chindimepfurirai Lyrics
  • Hymn 79 Jesu arimupenyu Lyrics
  • Hymn 319 Trust and Obey Lyrics
  • Hymn 367 Jesus, I long Lyrics
  • Hymn 163 SHE tifunge rufu rwenyu Lyrics
  • Hymn 110 Parima SHE chitungamirai Lyrics
  • Hymn 370 For God so loved Lyrics
  • Hymn 382 Ishe ndiyambutsei rwizi Lyrics
  • Hymn 176 Famba naJesu Lyrics
  • Hymn 171 Jesu unondida Lyrics
  • Hymn 396 Jesu unopfuura neapa Lyrics
  • Hymn 144 Ichokwadi Jesu ndowangu Lyrics
  • Hymn 52 Tsitsi Huru Lyrics
  • Hymn 371 Lord, lay some Soul Lyrics
  • Hymn 166 Reru, reru Lyrics
  • Hymn 94 Ndanzwa izwi renyu Lyrics
  • Hymn 356 My sins were higher Lyrics
  • Hymn 165 Mweya wangu rangarira Lyrics
  • Hymn 140 Tibatei tibatei tishumire Jesu Lyrics
  • Hymn 156 Mambo worudo, mufudzi Lyrics
  • Hymn 115 Tipeiwo Rumutsiriro, She Lyrics
  • Hymn 166 Kufarayi uko Lyrics
  • Hymn 258 Uchaitei naJesu? Lyrics
  • Hymn 250 Uyai tiimbe nziyo dzedu Lyrics
  • Hymn 26 Tererai manzwi awa Lyrics
  • Hymn 267 Kure muzamba iro Lyrics
  • Hymn 44 Ipapo mudanga muBeterehema Lyrics
  • Hymn 146 Mwari mune simba rose Lyrics
  • Hymn 320 Muzviratidze kwatiri Lyrics
  • Hymn 4 Jesu Mwana Wakanaka Lyrics
  • Hymn 27 SHE Jesu waponiwa Lyrics
  • Hymn 171 Kunamata kuna Mwari Lyrics
  • Hymn 195 Ishe Muite Kuda Kwenyu Lyrics
  • Hymn 127 Sezva ndiri ndinouya Lyrics
  • Hymn 72 Manatswa Neropa Lyrics
  • Hymn 145 Mweya wangu inzwaTenzi Lyrics
  • Hymn 181 Ndinonzwa izwi rako Lyrics
  • Hymn 149 Chiuyai SHE kutimutsa Lyrics
  • Hymn 29 Ingirozi dzinoimba Lyrics
  • Hymn 110 Dzimba dzako kudenga Lyrics
  • Hymn 246 Ko handingaite kuda kwaShe Lyrics
  • Hymn 9 Farai Nyika She Wauya Lyrics
  • Hymn 118 Jesu mudisi woMweya Lyrics
  • Hymn 207 Musi weSvondo nhasi She Lyrics
  • Hymn 257 Ngekumuka kunembiri Lyrics
  • Hymn 307 Kugadzwa Kwavatariri Namadhikoni Lyrics
  • Hymn 372 You pray for me Lyrics
  • Hymn 8 Hareruya mutendiwe pose Lyrics
  • Hymn 280 Ndokutendai baba Lyrics

Archives

  • December 2025
  • November 2025

Categories

  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
  • Shona Anglican Hymns
  • Shona Baptist Hymns
  • Shona Methodist Hymns
  • Uncategorized
Proudly powered by WordPress | Theme: goldy-mex by inverstheme.
Go to mobile version