Shona Anglican Hymn 58 Imbirai ndimi dzese
1 IMBIRAI ndimi dzese
Kurwa kune mbiri,
Mese tunhidzai Kristu,
Ndiye Mukuriri
Muteuro paM’chinjiko,
Wakatiponisa.
2. Nguva yake yapfuura,
Yokugara nesu,
Muponisi anozvipa
Kune nhamo zhinji.
Nyenye yaroverwa zvino
Mupereko wedi.
3. Mbambo, pfumo wakorera
Minzwa nokupfirwa;
Muviri wakadurura
Mvura neRopawo.
Tsime tsvene rokugeza
Vanhu nezvisikwa.
4. Iwe Muchinjiko kwawo
Muti une mbiri;
Une ruva nomuchero
Zvinopinda zvese;
Uyo apo aturikwa
Ndiye Musikiwo.
5. Kombamisa mhandu dzako,
Muti’yo murefu;
Kuoma kwako kwekare
Ngakupfave zvino;
Ndiwe uri kutakura
Mambo wekudenga.
6. Iwe wega wakafanira
Kutsigira Tenzi;
Ndiwe vanhu vagashira
Ruponiso rwavo;
Nyenye yavazora zvino
NgeRopa rinokosha.
7. Mbiri kuna Mwari Baba,
Kuno Mukorore,
Kuno Mweya Unoyera
Mumwe ngeVatatu,
Mwari ane simba rese
Agere narini. Amen.