Shona Anglican Hymn 241 Kwaziwai Maria
1. KWAZIWAI Maria
Wakakomborerwawo.
Wakagadzwa ndiMwari
Kubereka M’ponisi
Jesu, Mwari wedu.
Mwari wakabarwa ndiwe,
Mai neMhandara,
Maria mutsvene,
Maria mutsvene.
2. Mhandara ine mbiri!
Kubva munhumbu yako
Ruponiso rwepasi
Rwakabuda kurapa
Zvitadzo zvavanhu.
3. Gabrieri wakareva
Mazwi anofarisa,
“Uchabereka Jesu;
Achauya kunesu
Achibva kudenga.”
4. Iwe uri Mhandara
Inopfuura dzese.
Wakachena zvikuru;
Wakazadzwa ngetsitsi,
Nokupenya kwedi.
5. Pasi rakashambadzwa
NdiEva mai wedu,
Rakabatsirwa ndiwe
Mai wakapfava,
Nokuteerera.
6. Minamato yaMai
Ngaiitirwe isu,
Navanhu veSangano,
Vanoparadzwa kwese
Vari mudambudzo.