Shona Anglican Hymn 167 Virikidzai Tenzi wedu, Mambo wembiri
1. VIRIKIDZAI Tenzi wedu, Mambo wedu, Mambo wembiri,
Baba noMukorore noMweya Unoyera;
Imi vanhu
Mutunhidzei pamwe
Nengerosi navatsvene.
2. Virikidzai Tenzi unotonga kum’soro
Unokotsa kubva mumhandu dzenyu dzedima:
Hamuzivi
Nzira’yo kuda kwenyu
Kwaitwa, nenyasha dzake?
3. Virikidza Tenzi! Ngatiombere nomwoyo,
Zvisikwa zvese zvinomutunhidza nendwiyo,
Vanhu vake
Ngavaimbise, Amen,
Kumuombera narini.