Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 167 Virikidzai Tenzi wedu, Mambo wembiri Lyrics

Shona Anglican Hymn  167  Virikidzai Tenzi wedu, Mambo wembiri

 

1. VIRIKIDZAI Tenzi wedu, Mambo wedu, Mambo wembiri,

Baba noMukorore noMweya Unoyera;

Imi vanhu

Mutunhidzei pamwe

Nengerosi navatsvene.

2. Virikidzai Tenzi unotonga kum’soro

Unokotsa kubva mumhandu dzenyu dzedima:

Hamuzivi

Nzira’yo kuda kwenyu

Kwaitwa, nenyasha dzake?

3. Virikidza Tenzi! Ngatiombere nomwoyo,

Zvisikwa zvese zvinomutunhidza nendwiyo,

Vanhu vake

Ngavaimbise, Amen,

Kumuombera narini.

Exit mobile version