Skip to content

info@example.com

Treasure Hymns In Shona

  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service
  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service

Hymn 306 Waniso Lyrics

  1. Home   »  
  2. Hymn 306 Waniso Lyrics

Hymn 306 Waniso Lyrics

December 14, 2025 treasurehymnsNziyo Dzekereke RCZ hymnal

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 306 Waniso Lyrics

 

1
Hama dzangu,
Imi, ……..na…….. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka
chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare
tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,
ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi
norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama
noruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa
Adama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi
wakamufanira kuti ave mukadzi wake.

PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume
nomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake,
akabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari
chaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi
wake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana
wakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda
kwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave
nomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo
pamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari,
haifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga.

Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa
vagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi
napakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo
panzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve,
nokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye
mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari
vaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere
yaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa.

Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro
pezvavanofanira kuitirana,

_Zvino mufundisi achati kumurume:_

Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti
umutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita
musoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke
yake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze,
uchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi
venhaka yenyasha dzaMwari.

_Zvino mufundisi achati kumukadzi:_

Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama
sezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera
Kristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba
yako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira
uchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka.

_Mufundisi achati kuna vanowaniswa:_

Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana).

_Achati. kumurume:_

Iwe…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi
wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange
kuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi,
sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

_Achati kumukadzi:

_

Iwewo…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu
chose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara
naye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

**Ropafadzo**

Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo
rwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.

Post navigation

Previous: Hymn 300 Murayiro mukuru (Mateo 22:34-40) Lyrics
Next: Hymn 321 Let the beauty of Jesus Lyrics

Leave a Reply Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Hymns You May Like

  • Hymn 22 Tenzi wakasika denga Lyrics
  • Hymn 96 Chinzwa Chinzwa ndiani? Lyrics
  • Hymn 128 Pedo Wedenga SHE Lyrics
  • Hymn 8 Makasika zvose zvinhu Lyrics
  • Hymn 209 Ishe taungana Lyrics
  • Hymn 233 Kristu mukomboreri Lyrics
  • Hymn 86 Nzwirenyu ndinonzwa Lyrics
  • Hymn 101 Tino omberaUtatu Lyrics
  • Hymn 55 Mwari wakadzika kare Lyrics
  • Hymn 196 Kuna She Lyrics
  • Hymn 261 Ya.St. Maria Mhandara Lyrics
  • Hymn 156 Zvabviswa Lyrics
  • Hymn 355 Rakanaka iro zuva Lyrics
  • Hymn 65 Tinofara nhasi Lyrics
  • Hymn 137 Ngatitende kuna Jesu Lyrics
  • Hymn 47 Nezita raSHE Jesu Lyrics
  • Hymn 137 Tine Nyaya Kuudza Marudzi Lyrics
  • Hymn 163 Mumwe musi vadzimai Lyrics
  • Hymn 24 Rumbidzai Jesu Kristu Lyrics
  • Hymn 180 Chakaipa Chinoberekwa Lyrics
  • Hymn 165 Mweya wangu rangarira Lyrics
  • Hymn 63 Pasuo Rakashama ‘Po Lyrics
  • Hymn 288 Ndotsvaka imi moga Lyrics
  • Hymn 229 Inzwa nziyo vanoyera vanoimba kudenga Lyrics
  • Hymn 10 Isu Tiri Vachenjeri Lyrics
  • Hymn 4 Jesu Mwana Wakanaka Lyrics
  • Hymn 333 I want to be like Joseph Lyrics
  • Hymn 36 Komanyara maremerwa Lyrics
  • Hymn 236 Baba! mune simba rose Lyrics
  • Hymn 226 Mweya ine mbiri yese Lyrics
  • Hymn 135 Mugoshanangurwa vatendi tsungai Lyrics
  • Hymn 213 Bambo vatsvene dogarai nesu Lyrics
  • Hymn 195 SHE Wedenga ave neniwo Lyrics
  • Hymn 297 Bvisai zvivi SHE Lyrics
  • Hymn 78 SHE Jesu achikwira Lyrics
  • Hymn 113 Hakusi kurema Lyrics
  • Hymn 403 Mhanya mutembere Lyrics
  • Hymn 149 Chiuyai SHE kutimutsa Lyrics
  • Hymn 178 Mirai makachama Lyrics
  • Hymn 265 Mwari baba wedu Lyrics
  • Hymn 122 Ngandiite munamato Lyrics
  • Hymn 241 Mumwoyo ndoshuvira Lyrics
  • Hymn 128 Zvegumi Ndezva Jehova Lyrics
  • Hymn 239 Makatora chingwa Jesu Lyrics
  • Hymn 212 Nhasi Tenzi ndinokupa Lyrics
  • Hymn 27 Jesu Ndowangu Lyrics
  • Hymn 105 Rudo rwaSHE Bambo vedu Lyrics
  • Hymn 218 Vanhu taponerwa Lyrics
  • Hymn 178 Upenyu hwedu nzira Lyrics
  • Hymn 181 Ndinonzwa izwi rako Lyrics
  • Hymn 167 Ndicharumbidza Mwari Lyrics
  • Hymn 211 Nguva yakanaka Jesu Lyrics
  • Hymn 113 Ndinosingozipirwa Lyrics
  • Hymn 266 Mosesi kumura tsapata dzako Lyrics
  • Hymn 269 Jesu wakambova mwana Lyrics
  • Hymn 179 Jesu unondimbunda Lyrics
  • Hymn 104 Jesu wakauya pasi Lyrics
  • Hymn 250 Fambai vaKristu somunondorwa Lyrics
  • Hymn 39 Tarirai kubetrehem Lyrics
  • Hymn 254 Mandidana Jesu SHE Lyrics

Archives

  • December 2025
  • November 2025

Categories

  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
  • Shona Anglican Hymns
  • Shona Baptist Hymns
  • Shona Methodist Hymns
  • Uncategorized
Proudly powered by WordPress | Theme: goldy-mex by inverstheme.
Go to mobile version