Skip to content

info@example.com

Treasure Hymns In Shona

  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service
  • About
  • Contact
  • Hymn Lyrics In Shona
  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymns List
  • Privacy Policy
  • Sample Page
  • Shona Anglican Hymns List
  • Shona Baptist Hymns List
  • Shona Methodist Hymns List
  • Terms and Conditions
  • Terms of Service

Hymn 306 Waniso Lyrics

  1. Home   »  
  2. Hymn 306 Waniso Lyrics

Hymn 306 Waniso Lyrics

December 14, 2025 treasurehymnsNziyo Dzekereke RCZ hymnal

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 306 Waniso Lyrics

 

1
Hama dzangu,
Imi, ……..na…….. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka
chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare
tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,
ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi
norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama
noruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa
Adama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi
wakamufanira kuti ave mukadzi wake.

PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume
nomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake,
akabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari
chaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi
wake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana
wakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda
kwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave
nomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo
pamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari,
haifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga.

Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa
vagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi
napakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo
panzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve,
nokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye
mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari
vaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere
yaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa.

Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro
pezvavanofanira kuitirana,

_Zvino mufundisi achati kumurume:_

Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti
umutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita
musoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke
yake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze,
uchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi
venhaka yenyasha dzaMwari.

_Zvino mufundisi achati kumukadzi:_

Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama
sezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera
Kristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba
yako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira
uchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka.

_Mufundisi achati kuna vanowaniswa:_

Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana).

_Achati. kumurume:_

Iwe…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi
wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange
kuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi,
sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

_Achati kumukadzi:

_

Iwewo…. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti
ndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu
chose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara
naye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari.

**Ropafadzo**

Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo
rwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.

Post navigation

Previous: Hymn 305 Chirayiro Chashe Lyrics
Next: Hymn 307 Kugadzwa Kwavatariri Namadhikoni Lyrics

Leave a Reply Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Hymns You May Like

  • Hymn 91 Uyai mose makashata Lyrics
  • Hymn 173 Ndini chibwizana Lyrics
  • Hymn 61 Mbiri yese kunewe Lyrics
  • Hymn 177 Vamambo vapano pasi Lyrics
  • Hymn 67 Jesu Anogam’chira vatadzi Lyrics
  • Hymn 38 Hakuna Mumwe SaJesu Ishe Lyrics
  • Hymn 211 Jesu ndiye SHE inzwai Lyrics
  • Hymn 166 Reru, reru Lyrics
  • Hymn 131 Baba titungamirire Lyrics
  • Hymn 110 Dzimba dzako kudenga Lyrics
  • Hymn 180 Vakaropafadzwa Lyrics
  • Hymn 216 Ishe muno utsvene Lyrics
  • Hymn 23 Kana Jesu Achidzoka Lyrics
  • Hymn 24 Rumbidzai Jesu Kristu Lyrics
  • Hymn 339 Guide me Oh thou Lyrics
  • Hymn 215 Ndichamukudzisa Lyrics
  • Hymn 14 Ndinokutunhidza Mwari Lyrics
  • Hymn 214 Izwi rakasifema Lyrics
  • Hymn 67 Tarirai Tenzi Jesu anotongwa naPiratu Lyrics
  • Hymn 94 Rugare Rwoyerera Panzira Yangu Lyrics
  • Hymn 48 Vanhu vaiva mudima Lyrics
  • Hymn 54 Baba Ndiregerei Lyrics
  • Hymn 46 Mberi kwamakomo Lyrics
  • Hymn 355 Rakanaka iro zuva Lyrics
  • Hymn 175 Sedera mweya wangu Lyrics
  • Hymn 320 Yesterday, today Lyrics
  • Hymn 221 Mutiropafadze Mwari Lyrics
  • Hymn 370 For God so loved Lyrics
  • Hymn 161 NaJesu Lyrics
  • Hymn 106 Jesu imi moga Lyrics
  • Hymn 32 Mukai maKristu mufare nhasi Lyrics
  • Hymn 182 Shamwari yavacheche Lyrics
  • Hymn 129 Batai ruoko rwangu Lyrics
  • Hymn 25 Sezvo She Anondida, Ndoenda Lyrics
  • Hymn 37 Ndinoda She Jesu Lyrics
  • Hymn 316 Keep me true Lord Lyrics
  • Hymn 46 Mweya Mutsvene, Ndinatsei Lyrics
  • Hymn 399 Ishe torai mwoyo wangu Lyrics
  • Hymn 41 Mwoyo wangu unofara Lyrics
  • Hymn 14 Hozana wokudenga Lyrics
  • Hymn 296 Wafireni wafireni Lyrics
  • Hymn 139 Jesu ndakapikira Lyrics
  • Hymn 220 Mwoyo farira Lyrics
  • Hymn 188 Sarai neni kwavira zvino Lyrics
  • Hymn 304 Tinokutendai baba Lyrics
  • Hymn 71 Unotii nhasi Kufa Lyrics
  • Hymn 200 Chinhu chinotyisa kwazvo Lyrics
  • Hymn 166 Vanana zvino tarirai Lyrics
  • Hymn 198 Uyayi mudye muviri waTenzi Lyrics
  • Hymn 225 Tinobvisa zvipo Lyrics
  • Hymn 230 Ngatiimbe nguvadzese Lyrics
  • Hymn 125 Ishe ndoimba nadzo tsitsi dzenyu Lyrics
  • Hymn 184 Chimuka mwoyo wangu Lyrics
  • Hymn 94 Ndanzwa izwi renyu Lyrics
  • Hymn 183 Vangani Vakatsungirira? Lyrics
  • Hymn 6 Unyoro hwaSHE hwakakura Lyrics
  • Hymn 184 Ndiyani uyo mudangamo Lyrics
  • Hymn 47 Mazwi Oupenyu Lyrics
  • Hymn 260 Ishe komborera Afrika Lyrics
  • Hymn 16 Ngatiimbe nengirozi Lyrics

Archives

  • December 2025
  • November 2025

Categories

  • Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
  • Shona Anglican Hymns
  • Shona Baptist Hymns
  • Shona Methodist Hymns
  • Uncategorized
Proudly powered by WordPress | Theme: goldy-mex by inverstheme.
Go to mobile version