Shona Methodist Hymns
Hymn 208 Musi weSvondo waIShe Lyrics
Musi weSvondo waIShe
Tauona kakare;
Imba yenyu youtsvene
Taipinda kakare.
Baba chipindai nesu,
Tinzwe kuti murimo;
Igoti nemwoyo yedu
Igamchire zwi renyu.
Tarirai nhumwa dzenyu
Mugodzisimbaradza;
Kuti nhasi dzitaure
Matama enyu oga.
Tandai zvinhu zvenhando
Zvisatikanganise;
Tigonyatsokufungai,
Nemwoyo yedu yose.
Ratidzai kushaya kwedu,
Rudo netsitsi dzenyu
Kuti tizvikumbirire
Kuti tizadzwe nazvo.
Muvaropafadze vose
Vasipo pano nhasi.
Kuti vanhu venyu vose
Vawane rudo rwenyu.