Shona Methodist Hymns
Hymn 159 Vongai kuna Jehovha Lyrics
Vongai kuna Jehovha,
Nokunaka kwake,
Kuti dzose ngoni dzake
Hadzina magumo.
Ndudzi dzose ngadzidaro
Ne’mba dzavo dzose,
Kuti dzose ngoni dzake
Hadzina magumo.
Ndakashovedza Jehovha
Pakutambudzika;
Akandinzwa, ndikaiswa
Pakufarikana.
Ishe ari pedyo neni
Anondiyamura,
Anozondisimbaradza
Pazviyedzo zvose.
Kana Ishe ari pedyo
Handitye chinhu;
Kufa, nzara, nokurwara
Hazvizondikunda.
Kuvimba naye Jehovha.
Nokunzvenga naye;
Kusavimbazve navanhu,
Ndizvo zvinodiwa.
Imi muri Mwari wangu,
Ndichakuvongai;
Zvirokwazvo muri wangu,
Ndichakukudzai.