Shona Methodist Hymns
Hymn 157 Ndiani mhandu iyi Lyrics
Ndiani mhandu iyi
Inorondomara,
Yoringa vari pasi
Nehanzu yesimbi?
Yovirima nesimba,
Pfumo, nebakatwa,
Yosangana naMwari
Wuto ndokutiza.
Nako kureba kwayo
Vose vakaitya,
Votiza Goriati
Somukundi wavo;
Reva kuti ndiani
Mhandu yedu nhasi?
Ndihwo utadzi hwangu,
Nechitadzo changu.
Musimba rake Jesu
Ndorwa saDavhidhi,
Nyange ndisina zvombo
Simba ndiye Jesu;
Ndofunga tsitsi dzake,
Ndinokonya nadzo,
Ndotsveta mweya wangu
Pano rudo rwake.
Ndonanga nechimvii
Kuna Goriati;
Mwari wati zvidaro
Ndichakunda chivi;
Necho chitsidzo chake
Ndinokonya naShe,
Ndinokunda chokwadi
Nokuti wadaro.
Musimba rake Mwari
Ndonanga kumhandu,
Simba ndirwo rutendo
Rinokunda mhandu;
Rutendo muna Jesu
Runodema chivi,
Rwonanga pane simba,
Rwomuwisa pasi.
Simukai maKristu,
Muchitanda mhandu
Mutunhe wematenga
Anokunda chivi;
Anosvika ndiJesu
Kuzokupa simba,
Haabate bakatwa,
Kurwa ndiko kwake.
Ishe musi nomusi
Woonesa simba
Wodzikamisa mhandu
Nokuiuraya;
Mwari, tiyamurei
Kuti tiparidze,
Kuti nyika izive
Simba rake Jesu.