Shona Methodist Hymns
Hymn 144 Ichokwadi Jesu ndowangu Lyrics
Ichokwadi, Jesu ndowangu,
Ndizvo zvandinogonda nazvo,
Ndova mudyi wenhaka yaShe,
Ndasukwa neRopa noMweya.
**CHORUS**
Heyi nyaya nechimbo changu
Kutunha Muponisi wangu
.
Kuzvipira kwangu kwaari,
Ndabva ndaona ‘faro rutsva,
Naidzo nhume dzokudenga.
Dzouya nenyaya dzetsitsi.
Kuzvipira kwangu kwaari,
Ini maari ndoshangara,
Ndakataririra kudenga,
Ndozadzwa nenduramo dzake