Shona Baptist Hymns
Hymn 64 She,Ndouya
1
Kubva mukudarika kwangu,
She, ndouya; She, ndouya;
Kuti ndipiwe simba renyu,
Ndouya kwamuri.
Kubva muzvivi zvangu zvino,
Ndotsvaka kanganwiro pano,
Ndifambe munzira yenyu wo,
Ndouya kwamuri.
2
Kubva mumatambudziko wo,
She, ndouya; She, ndouya;
Ndizvipire kwamuri zvino,
Ndouya kwamuri.
Kubva munhamo, She, ndouya,
Mungatakure kufunganya;
Vanhu vose ndichazivisa,
Ndouya kwamuri.
3
Kubva mukutya kwangu, Jesu
She, ndouya; She, ndouya;
Ndipiwe kunyaradza kwenyu,
Ndouya kwamuri.
Ndinonetswa naSatan’ pano,
Bva mungandisimbise zvino,
Ndikunde nomunyengetero,
Ndouya kwamuri.
4
Kubva mukusuwa kwangu wo,
She, ndouya; She, ndouya;
Ndipiwe rugare mumwoyo,
Neouya kwamuri.
Zvino ndichafamba nemi, She,
Ndiudze vose kwose kwose,
Vatendeuke, vaponeswe,
Ndouya kwamuri