Shona Baptist Hymns
Hymn 211 Dai Makaziva Jesu
1
Dai makaziva Jesu,
Mungadai ma-i-muda,
Wakatifira vatadzi,
Tiende wo kudenga!
KORASI
Dai makaziva Jesu,
Mungadai ma-i-muda!
Dai makaziva Jesu,
Mungadai maizvipira!
2
Dai makaziva Jesu,
Kana rugare rwake,
Mungadai maimutevera,
Muite kuda kwake!
3
Dai makaziva Jesu,
Nokuchengetwa kwake,
Mungadai maimutambira,
SoM’ponesi naIshe!
4
Dai makaziva Jesu,
Nedenga, musha wake,
Mungadai maimuda chose,
Muponeswe wo naye!