Shona Baptist Hymns
Hymn 14 Pamuchinjikwa
1
Jesu She wakandifira,
Pachipiyaniso;
She wakandiparadzirwa,
Ndiende kudenga.
KORASI
M’chinjikwa,
M’chinjikwa,
Pandakaona She,
Zvivi zvangu zvomwoyo
Zvabviswa! (Zvabviswa)
Pamuchinjikwa,
Ndapiwa nyasha;
Zvino ndafadziswa
Muzvose.
2
Musiki wedu mukuru,
Wakazova nyama,
Kuti atifire isu,
Tirege kurashwa.
3
Zvivi zvangu zvakamupa
Rufu pam’chinjikwa;
Nyasha huru yoshamisa,
Inondiponesa.
4
Hatigoni kuregera
Zvivi zvedu zvose;
Asi She ngaazviite,
Tigogam’chira She.