Shona Baptist Hymns
Hymn 110 Ndinatsei Pazvivi
1
Ndinofamba naJesu She,
Ndinofara misi yose,
Bva ndonetswa naSatani,
Saka ndinatsei pazvivi.
KORASI
She, ndinoda kukukudzai,
Saka ndinatsei pazvivi,
Ndoda kukushumira-i
Saka ndinatsei pazvivi.
2
Handidi kugara zvino,
Pakati pezvivi pano,
Ndichazokutevera-i,
Saka ndinatsei pazvivi.
3
Ndinoda kukunda zvino,
Miedzo yaSatan’ pano,
Handina simba mandiri,
Saka ndinatsei pazvivi.
4
Ndoda kusvika kudenga,
Ndikudze Jesu nesimba,
Bva ndonetswa naSatani,
Saka ndinatsei pazvivi.