Shona Anglican Hymn 94 Kare Mwari wakadzika
1. KARE Mwari wakadzika
PaSinai nesimba;
Makore akatsemuka
Nomwoto neutsi.
2. PaPendekost wakauya
Nesimba norudo;
Njiva yake yakadzika
Nokuzvirereka.
3. Mwoto pamusoro peSinai
Wakatyisa kwazvo
Zvino unojeka kwazvo
Pavatsvene vese.
4. VaIsraeri vakanzwa
Izwi rine ruzha,
Rainge tsuri yaMwari
Yakabva kudenga.
5. Panguvayo izvo Mweya
Wakauya pasi,
Ruzha rukuru rwemhepo
Rwakabva kudenga,
6. Chechi yakazadzwa zvino
Nepasi resezve,
Vane mwoyo mikukutu
Havachanzwi Mweya.
7. Tenzi, Nzero, Rudo, Simba,
Nzeve dzedu dzinzwe
Tisapunyutse nguva’no,
Tiponise Tenzi.