Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 94 Kare Mwari wakadzika Lyrics

Shona Anglican Hymn  94  Kare Mwari wakadzika

 

1. KARE Mwari wakadzika

PaSinai nesimba;

Makore akatsemuka

Nomwoto neutsi.

2. PaPendekost wakauya

Nesimba norudo;

Njiva yake yakadzika

Nokuzvirereka.

3. Mwoto pamusoro peSinai

Wakatyisa kwazvo

Zvino unojeka kwazvo

Pavatsvene vese.

4. VaIsraeri vakanzwa

Izwi rine ruzha,

Rainge tsuri yaMwari

Yakabva kudenga.

5. Panguvayo izvo Mweya

Wakauya pasi,

Ruzha rukuru rwemhepo

Rwakabva kudenga,

6. Chechi yakazadzwa zvino

Nepasi resezve,

Vane mwoyo mikukutu

Havachanzwi Mweya.

7. Tenzi, Nzero, Rudo, Simba,

Nzeve dzedu dzinzwe

Tisapunyutse nguva’no,

Tiponise Tenzi.

Exit mobile version