Shona Anglican Hymn 87 Pamusi weIsita Areruya
1. PAMUSI weIsita, Areruya
Jesu wamuka, Areruya.
2. Wakabviswa muguva mangwanani
Wakaonekwawo naMaria
3. Akafamba nhasi kuEmaus
Akavazivisa mumba mavo.
4. Vapostori zvino vakasara
Madekwana nhasi vachidya.
5. Nemisuwo apo yakapfigwa
Jesu anouya kuvadzidzi.
6. Runyararo rwake anovapa
Vanofarisazve kumuona
7. Tomasi mutsvene asipo
Apo akazvinzwa naVadzidzi.
8. Akaramba kwazvo kuzvitenda
“Ndikaona Jesu ndinotenda
9. Ngandiise munwe mumaronda;
Ngandiise ruoko murutivi.”
10. Mazuva masere apfuura
Jesu akadzoka kuvadzidzi.
11. Ipapo akati kuna Tomasi
“Uya uonezve zvanza zvangu.
12. Tomasi akatenda “Ishe wangu.”
Akanamatazve “Mwari wangu.”
13. Vakakomborerwa vanomuona
Vakakomborerwa vanotenda.
14. Jesu wakamuka, Areruya:
PaMusi weIsita Areruya.