Shona Anglican Hymn 57 Onai Mureza waMambo
1 ONA mureza waMambo,
Muchinjiko unopenya:
Apo musiki wavanhu
Akatiripira mhosva.
2. Aripo, rutivi rwake
Rwakabayiwa ngepfumo,
Kutichenura ngeropa
Rakabuda nemvurawo.
3. Izvo zvakaudzwa kare
NdiDavid zvaitwa zvino,
Kuti Mwari wakatonga;
Nokukurira pamuti.
4. Iwe muti unembiri,
Apo kwakaiswa Tenzi,
Wakapenya ngezvitsvuku
Zveropa roMuponisi.
5. Wakatsikinura tese,
Kubva muzvitadzo zvese;
Akakurira Satani
Uyo wakabata vanhu.
6. Utatu husingagumi
Vese ngavakutunhidze,
Titonge ngeMuchinjiko,
Wakatidzorera ndiwo.