Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 57 Onai Mureza waMambo Lyrics

Shona Anglican Hymn  57  Onai Mureza waMambo

 

1 ONA mureza waMambo,

Muchinjiko unopenya:

Apo musiki wavanhu

Akatiripira mhosva.

2. Aripo, rutivi rwake

Rwakabayiwa ngepfumo,

Kutichenura ngeropa

Rakabuda nemvurawo.

3. Izvo zvakaudzwa kare

NdiDavid zvaitwa zvino,

Kuti Mwari wakatonga;

Nokukurira pamuti.

4. Iwe muti unembiri,

Apo kwakaiswa Tenzi,

Wakapenya ngezvitsvuku

Zveropa roMuponisi.

5. Wakatsikinura tese,

Kubva muzvitadzo zvese;

Akakurira Satani

Uyo wakabata vanhu.

6. Utatu husingagumi

Vese ngavakutunhidze,

Titonge ngeMuchinjiko,

Wakatidzorera ndiwo.

Exit mobile version