Shona Anglican Hymn 31 Kristu Muponisi wedu
KRISTU Muponisi wedu,
Kupenya kwaMwari Baba,Iwe wakange unaye
Pasi risati rasikwa
Uri ruveneko rwedi
Mudima rezvakaipa;
Inzwa minamato yese
Pasi pese musi uno.
Tondera Tenzi wetsitsi,
Kuti wakatiponisa
Ngekuitwa munhu kare
NdiMaria wakachena.
Kuti zuva richibuda
Nhas’uno panyika dzese;
Vanhu vese vanotizve
“Wakatiponisa wega.”
Wakatumirwa ndiBaba.
Kudaidza vana vake;
Denga nepasi nenyanza
Zvinokudza rudo rwake.
Nesu tinofara nhasi.
Takasunungurwa ndiye;
Tinoimba rwiyo rutsva
Izvo wakabarwa nhasi.
Mbiri ngaive kunewe.
Wakabarwa ndiMaria;
Mbiri kunaMwari Baba,
Naye Mweya Unoyera.Amen.