Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 31 Kristu Muponisi wedu Lyrics

Shona Anglican Hymn  31  Kristu Muponisi wedu

 

KRISTU Muponisi wedu,
Kupenya kwaMwari Baba,Iwe wakange unaye
Pasi risati rasikwa

Uri ruveneko rwedi
Mudima rezvakaipa;
Inzwa minamato yese
Pasi pese musi uno.

Tondera Tenzi wetsitsi,
Kuti wakatiponisa
Ngekuitwa munhu kare
NdiMaria wakachena.

Kuti zuva richibuda
Nhas’uno panyika dzese;
Vanhu vese vanotizve
“Wakatiponisa wega.”

Wakatumirwa ndiBaba.
Kudaidza vana vake;
Denga nepasi nenyanza
Zvinokudza rudo rwake.

Nesu tinofara nhasi.
Takasunungurwa ndiye;
Tinoimba rwiyo rutsva
Izvo wakabarwa nhasi.

Mbiri ngaive kunewe.
Wakabarwa ndiMaria;
Mbiri kunaMwari Baba,
Naye Mweya Unoyera.Amen.

Exit mobile version