Shona Anglican Hymn 263 Mambo kwaye Wenseslas
1. MAMBO kwaye Wenseslas
Wakaringa kunze
Pamusi waSt Stefano
Kwaive nechando.
Mwedzi wakachenisa
Chando chakanyana
Wakaona murombo
Achioza huni.
2. Wakabvunza mupwere
“Ndizivise iwe,
Murombo ndianiko
Anogarepiko?”
Mwana wakapindura,
“Anogara kure,
Kujinga ramakomo
Nokuchisipiti.”
3. “Unza nyama newaini
Nezvinga rehuni;
Tichapa kunaiye
Kudya kunofadza.”
Mambo nomwana wake
Vakaenda pamwe,
Mhepo ichihwinya.
4. “Mambo dzafa
ngechando
Mhepo yatonhora,
Mwoyo wangu waneta
Ndatadza kufamba.”
“Famba mutsoka dzangu,
Famba nokushinga
Uchaona kudziya
Muno mwoyo wako.”
5. Wakafamba mutsoka
DzaMambo mutsvene,
Akawana kudziya
Muno mwoyo wake.
Ndizvo imi Makristu
Simbisai kwazvo
Kusobatsira vanhu
Muchakomborerwa.