Shona Anglican Hymn 228 Ndivanani vakamira
1. NDIVANANI vakamira
Senyenyedzi kuna Mwari
Nezviremba mumisoro?
Vabvepiko ava vese
Vanoimba Areruya
Mwari Mambo wokudenga?
2. Ndivanani vanosvika
Vane nguo dzinopenya,
Dzvinopenya nguva dzese
Nguo dzavo hadzipumi,
Kanapo dzagarisisa
Vabvepiko ava vese?
3. Ava vakakana kwazvo
Kukanira Muponisi
Vakashinga kana kufa
Havana kumbonya ngadza
Vakakana zvakanaka
Vari kupembera zvino.
4. Yakaona dambudziko
Mwoyo yavo pasi pano
Vakamunamata Mwari
Uyo vakamutunhidza
Vakapedza hondo yavo
Havachina dambudziko.
5. Vanoona Mwari zvino
Vakamira savapristi
Zuva nesikati zvese
Vanoita kuda kwake
Kunoyera kunaMwari
Vanogara nguva dzese.