Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 228 Ndivanani vakamira Lyrics

Shona Anglican Hymn  228  Ndivanani vakamira

 

1. NDIVANANI vakamira

Senyenyedzi kuna Mwari

Nezviremba mumisoro?

Vabvepiko ava vese

Vanoimba Areruya

Mwari Mambo wokudenga?

2. Ndivanani vanosvika

Vane nguo dzinopenya,

Dzvinopenya nguva dzese

Nguo dzavo hadzipumi,

Kanapo dzagarisisa

Vabvepiko ava vese?

3. Ava vakakana kwazvo

Kukanira Muponisi

Vakashinga kana kufa

Havana kumbonya ngadza

Vakakana zvakanaka

Vari kupembera zvino.

4. Yakaona dambudziko

Mwoyo yavo pasi pano

Vakamunamata Mwari

Uyo vakamutunhidza

Vakapedza hondo yavo

Havachina dambudziko.

5. Vanoona Mwari zvino

Vakamira savapristi

Zuva nesikati zvese

Vanoita kuda kwake

Kunoyera kunaMwari

Vanogara nguva dzese.

Exit mobile version