Shona Anglican Hymn 202 Nyararai vanhu vese
1. NYARARAI, vanhu mese
Kotamai nokutya kwazvo
Musafunge nezvepasi
Izvo Kristu aswendera,
Auya kukomborera
Nokupiwa muombero.
2. Ndiye Tenzi wevaTenzi,
Mambowo wepasi pese,
Mwari wedi, munhu wedi,
Achitora nyama yedu:
Anogutsa vanhu vake
Nomuviri wake uyo.
3 Nengerosi zhinji kwazvo
Dziri kumutungamira
Uyu, ruveneko rwedi
Anouya pasi pano:
Chita chese chaSatani
Chinoparara sedima
4 Maserafi, makerubi
Anoviga hope dzavo
Areruya anoimba,
Nokuimba haaregi:
Areruya! Areruya!
Areruya, Tenzi wedi!