Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 202 Nyararai vanhu vese Lyrics

Shona Anglican Hymn  202  Nyararai vanhu vese

 

1. NYARARAI, vanhu mese

Kotamai nokutya kwazvo

Musafunge nezvepasi

Izvo Kristu aswendera,

Auya kukomborera

Nokupiwa muombero.

2. Ndiye Tenzi wevaTenzi,

Mambowo wepasi pese,

Mwari wedi, munhu wedi,

Achitora nyama yedu:

Anogutsa vanhu vake

Nomuviri wake uyo.

3 Nengerosi zhinji kwazvo

Dziri kumutungamira

Uyu, ruveneko rwedi

Anouya pasi pano:

Chita chese chaSatani

Chinoparara sedima

4 Maserafi, makerubi

Anoviga hope dzavo

Areruya anoimba,

Nokuimba haaregi:

Areruya! Areruya!

Areruya, Tenzi wedi!

Exit mobile version