Shona Anglican Hymn 159 Vakomana vaviri
1. VAKOMANA vairi
Vababa mumwe chete
Vaisimubatsira
Kuita basa rake
2. Iye muduku oti
“Ndipewo pfuma dzangu
Ndinoda kutamira
Kune imwe nyika
3. Ndinoda kundogara
Munyika itsva zvino
Akapiwa zvakezvo
Nababa vachichema
4. Akatamira kure
Kogara zvakaipa
Zvo mari yakapera
Akada kusevenza.
5. Nepanguva yenzara
Achishaya zvokudya
Akafunga mumwoyo,
“Ndakatadza sebenzi.
6. Ngandisimuke zvino
Ndiende kunababa
Nditi handifaniri
Kuchanzi mwana wako”
7. Ndokudzoka kumusha,
Akaonwa nababa.
Baba anotizira
Kusangana nomwana.
8. Akati kuvaranda
“Unzai ngombe yedu
Kuzoti tiibaye
Nokufarira kwazvo.
9. Mukoma akasara
Ari mumunda wake
Akachinzwa kutamba,
Mumba mababa.
10. Muranda wakabvunzwa
“Ko ndiani wauya?”
Akati, kunaiye,
“Mudiki wako uya.”
11. Mukoma akasuva
Achiramba kupinda
Akati “Uyu munhu
Muparadzi kwazvo.
12 Ndizvozvo baba wake
Wakati kunaiye
“Mwana wakarasika
Zvino wazoonekwa”
13. Ngatifarise tose
Mwana wakanga afa.
Asi wadzokera
Watomuka mukufa..
14. Naye Baba wedenga
Anofarisa zvino
Kuti vanhu vatadzi
Vachipinduka kwazvo.