Shona Anglican Hymn 154 Ndanzwa nezvikomborero
1. Ndanzwa nezvikomborero
Zvadonhedzwa pasi,
Unodira zvese Tenzi,
Ngandidiridzwewo,
Kana ini kana ini
Ngandidiridziwewo
2.Usandipfuure Baba
Ndiri mwana wako;
Uri kudaidza vamwe,
Ngandidaidzewo.
Kana ini kana ini
Ngandidaidzewo.
3.Usandipfuure, Jesu,
Wakafira ini;
Urikuponisa vamwe,
Ngandiponiswewo.
Kana ini kana ini
Ngandiponiswewo
4.Usandipfuure, Tenzi
Mweya Unoyera;
Uri kuchenura mwoyo
Ngandichenurwewo.
Kana ini kana ini
Ngandichenurwewo.
5.Kare, Tenzi,
ndakagaraKure kune dima;
Uri kuswededza vamwe
Ngandiswenderewo.
Kana ini kana ini
Ngandiswenderewo
6.Misi yese ndatambudzwa
Nezvitadzo zvangu
Vamwe vakurira newe
Ngandikurirewo.
Kana ini kana ini
Ngandikurirewo.
7.Rudo, Nyasha, Simba, Tenzi
Ndazvishaya zvese,
Sezvo vamwe vagashira
Ngandigashirewo
Kana ini kana ini
Ngandigashirewo.
8Zvipo zvako zvinokosha
Zvinobva kudenga
Vamwe vafariswa nazvo,
Ngandifariswewo
Kana ini kana ini
Ngandifariswewo.