Shona Anglican Hymn 140 Munehwenje hwakakomba
1. MUNE hwenje hwakakomba
Wachema mweya wangu,
Unotsvaka munyururi
Unouburitsamo.
Nhandi Jesu,
Ndinyure, ndofa here?
2. Wakadisa mweya wangu
Dzamara undifire,
Ukandiripirawo;
Kuzoti ndive wako,
Nhandi Jesu,
Ndinyure, ndofa zvangu?
3. Kururama kwandikona.
Mweya wangu watyoka
Nditumire Mweya wako
Umutse mweya wangu
Nhandi Jesu,
Ndinyure, ndofa here?
4. Ndarasika nzira yako
Ndidzore Tenzi wangu,
Izwi rako ngaripinde
Nokundiruramisa.
Nhandi, Jesu,
Ndinyure, ndofa zvangu?
5. Ndichapinda ndotandadza
Muhwenje hwakakomba;
Iva petyo undibate:
Upfuve mweya wangu
Uterame,
Uterame panewe.