Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 140 Munehwenje hwakakomba Lyrics

Shona Anglican Hymn  140  Munehwenje hwakakomba

 

1. MUNE hwenje hwakakomba

Wachema mweya wangu,

Unotsvaka munyururi

Unouburitsamo.

Nhandi Jesu,

Ndinyure, ndofa here?

2. Wakadisa mweya wangu

Dzamara undifire,

Ukandiripirawo;

Kuzoti ndive wako,

Nhandi Jesu,

Ndinyure, ndofa zvangu?

3. Kururama kwandikona.

Mweya wangu watyoka

Nditumire Mweya wako

Umutse mweya wangu

Nhandi Jesu,

Ndinyure, ndofa here?

4. Ndarasika nzira yako

Ndidzore Tenzi wangu,

Izwi rako ngaripinde

Nokundiruramisa.

Nhandi, Jesu,

Ndinyure, ndofa zvangu?

5. Ndichapinda ndotandadza

Muhwenje hwakakomba;

Iva petyo undibate:

Upfuve mweya wangu

Uterame,

Uterame panewe.

Exit mobile version