Shona Anglican Hymn 137 VaTsvene mumoyo
1. VATSVENE vepasi, navo
Vatsvene vakafa
Ngavaimbe pamwe vese;
Varanda vaMwari.
2. Tiri mhuri imwe tese
Kudenga nepasi;
Kana tichipatsaniswa
Nerwizi rworufu.
3. Tiri hondo imwe tese
YaMwari mukuru;
Vamwe vakabira rwizi
Tisvike kudenga
4. Vamwe vakomborerwa
Vari mukubira;
Vamwe vari kumirira
Kudaidzwa kwavo
5. Jesu iva simba redu
Pamusi wokufa,
Kuti tibireJodani
Vamwe vachi pasi.