Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 137 VaTsvene mumoyo Lyrics

Shona Anglican Hymn  137  VaTsvene mumoyo

 

1. VATSVENE vepasi, navo

Vatsvene vakafa

Ngavaimbe pamwe vese;

Varanda vaMwari.

2. Tiri mhuri imwe tese

Kudenga nepasi;

Kana tichipatsaniswa

Nerwizi rworufu.

3. Tiri hondo imwe tese

YaMwari mukuru;

Vamwe vakabira rwizi

Tisvike kudenga

4. Vamwe vakomborerwa

Vari mukubira;

Vamwe vari kumirira

Kudaidzwa kwavo

5. Jesu iva simba redu

Pamusi wokufa,

Kuti tibireJodani

Vamwe vachi pasi.

Exit mobile version