Shona Anglican Hymn 111 Mufudzi unondida
1. MUFUDZI unondida
Chengeta nyenye yako;
Simba rako iguru
Handibviswi kunewe.
2. M’ponisi une rudo
Wakandifira ini;
Simudza manja ako
Uonise mavanga
3. Ndinoda kukukudza
Ndiite rudo rwako,
Savatsvene kudenga
Vari kukuombera
4. Mufudzi wakanaka
Dzidzisa nyenye yako,
Ndirege kurasika
Munzira yakanaka.
5 Ndinoda kutevera
Tsoka dzako, M’ponisi,
Dzamara ndichisvika
Kukuona kudenga.