Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 111 Mufudzi unondida Lyrics

Shona Anglican Hymn  111  Mufudzi unondida

 

1. MUFUDZI unondida

Chengeta nyenye yako;

Simba rako iguru

Handibviswi kunewe.

2. M’ponisi une rudo

Wakandifira ini;

Simudza manja ako

Uonise mavanga

3. Ndinoda kukukudza

Ndiite rudo rwako,

Savatsvene kudenga

Vari kukuombera

4. Mufudzi wakanaka

Dzidzisa nyenye yako,

Ndirege kurasika

Munzira yakanaka.

5 Ndinoda kutevera

Tsoka dzako, M’ponisi,

Dzamara ndichisvika

Kukuona kudenga.

Exit mobile version