Shona Anglican Hymn 110 Dzimba dzako kudenga
1. DZIMBA dzako Kudenga
Dzinofadzisa kwazvo;
Dzati dzepano pasi
Dzinonakisa pano;
Mweya wangu wodisa
Kugara navatsvene,
Ndiyeve usu hwako
Ndgere newe Mwari.
2. Shiri dziri kuimba,
Kudenga dzinofara;
Vanhu vanozorodzwa
Vanewe pasi pano;
Kana vari munjodzi
Nedambudzo repasi,
Asi muumba yako
Vanonyaradzwa umo.
3. Vari kufamba pano
SavaIsraeriwo
Murwendo vari kumwa
Manazve vari kudya:
Manazve vari kudya:
Vari kusimbisiswa
Kuti vasvike umo,
Vachikukudza apo,
Wakavatungamidza.
4. Tenzi nditungamidze
Murwendo rwangu pano;
Ndichengete nomutsa,
Kwauri ndidaidze.
Uri Zuva neNhoo
Chengeta mwoyo wangu;
Une nyasha nembiri
Une nyasha nembiri
Zvipe kwandiri Tenzi.