Shona Anglican Hymn 1 Zvino zuva rabudazve
Zvino zuva rabudazve
Tinomukimbira Mwari
Kuti mumabasa ese
Namazwi atichengete. .
Ndimi dzedu ngadzirege
Kutuka nokunyepazve
Maziso ngaachengetwe
Kune ruchiva rwepasi.
Mwoyo yedu ichenurwe,
Pfungwa dzedu dzinatsirwe;
Zvitadzo zvenyama yedu
Zvikundwe ngekuzviramba.
Ndizvo tapedza mabasa
Nousiku huchisvika,
Tichatenda Mwari wedu
Ngekuti watichengeta.
Mbiri kuna Mwari Baba,
Mbiri kunoMukorore,
Avo pamwe naye Mweya
Tinoombera narini. Amen.