Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 1 Zvino zuva rabudazve Lyrics

Shona Anglican Hymn  1  Zvino zuva rabudazve

 

Zvino zuva rabudazve
Tinomukimbira Mwari
Kuti mumabasa ese
Namazwi atichengete. .

Ndimi dzedu ngadzirege
Kutuka nokunyepazve
Maziso ngaachengetwe
Kune ruchiva rwepasi.

Mwoyo yedu ichenurwe,
Pfungwa dzedu dzinatsirwe;
Zvitadzo zvenyama yedu
Zvikundwe ngekuzviramba.

Ndizvo tapedza mabasa
Nousiku huchisvika,
Tichatenda Mwari wedu
Ngekuti watichengeta.

Mbiri kuna Mwari Baba,
Mbiri kunoMukorore,
Avo pamwe naye Mweya
Tinoombera narini. Amen.

Exit mobile version