Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 38 SHE Jesu wandiitirei? Lyrics
1
SHE Jesu wandiitirei?
Waripa mhaka dzangu.
Ndatadza, bva wandida sei
Muraramisi wangu!
Kudenga wakakwirako,
Unondirangarira.
Ugaro hwakanakawo
Wakandigadzirira!
**KOROSI**
Jesu, SHE Jesu,
Muraramisi wangu!
Ndichamuona rini, SHE,
Imi Mufiri wangu?
2
Unosindichengeta sei,
Unonditaririra;
SHE unesimba guru sei
Rokuzondibetsera.
Minyengetero unonzwa,
Unosindidavidza.
Chengeto yake uchapa
Vanomunyengetera.