Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 302 Bhapatidzo Yavakuru Lyrics
1
Hama dzangu,
Kana vari vana vadoko vavaKristu vanobhapatidzwa kunyangwe vasingagoni
kunzwisisa, nokuti Mwari anoita chitenderano navabereki vanotenda chinobata
pavana vavowo. Asi vanhu vakuru havangabhapatidzwi vasina kunzwisisa. Vakuru
vangabhapatidzwa koga kana vachema zvivi zvavo nokuzvirasha vachitenda kuna
Jesu Kristu. Johane mubhapatidzi waingobhapatidza vaya vaireurura zvivi zvavo.
Naiye Ishe wedu Jesu Kristu wakarayira vadzidzi vake kuti vandodzidzisa
marudzi ose vachivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya
Mutsvene; akapikira kuti avo vanotenda vakabhapatidzwa vachaponeswa. Saka
vapostori vake havazaibhapatidza vanhu vakuru vasati vazvireurura zvivi zvavo
nokutendeuka. Imi, muri pano, munoda kubhapatidzwa kuti chive chiratidzo
chokuti makagamuchirwa mukereke yaKristu. Saka chitererai mashoko awa: Mumwe
nomumwe agoadavidza, zvigoonekwa kuti imi munoda kuita mifambire yakanaka
nenyasha dzaMwari.
1. Unotenda here Mwari wamazvirokwazvo iye Baba noMwanakomana noMweya
Mutsvene; unotenda kuti ndiye wakasika kudenga napasi nezvose zviri mukati
mazvo uye unozvichengeta pasina chinhu chinoitika kudenga napasi kunze kwokuda
kwake. Unozvitenda here?
**Davidzo:** Hon’o.
2. Unotenda here kuti wakaponerwa muzvivi usingagoni kuita zvakanaka
uchingorerekera zvakaipa, uye kuti wakadarika mirayiro yaMwari ruzhinji
uchizviita nemirangariro yako namashoko ako, nemibato yako. Unochema zvivi
izvozvi nomwoyo wose here?
**Davidzo:** Hon’o.
3. Unotenda mashoko awa pamusoro paJesu Kristu, anoti, ndiye Mwari
zvirokwazvo ari munhuwo zvirokwazvo; ndiye Muponesi wako anokupa kanganwiro
yezvivi muropa rake; iwe uchiitwa mutezo waKristu nowekereke yake nesimba
roMweya Mutsvene. Unotenda mashoko awa here?
**Davidzo:** Hon’o.
4. Unotenda dzidziso dzose dzouKristu, sezvadzinodudzirwa nekereke ino
yaKristu: unozvisunga kutsungirira padzidziso idzi kusvikira parufu rwako,
uchiramba dzidziso dzose dzenhema, uyezve unotenda kutsungirira pakereke ino
uchidya Chirayiro chaShe. Unotenda mashoko awa ose here?
**Davidzo:** Hon’o.
5. Unozvisunga nomwoyo wose kuti uchafamba nomutoo wakafanira muKristu,
uchirasha zvenyika nemirangariro yakaipa, uye uchizvininipisa kana uchinge
worangwa here?
**Davidzo:** Hon’o
Mwari mukuru wounyoro akuitire nyasha kuti utsungirire pane zvose zvawatenda
zvino.
_Mufundisi achabhapatidza achiti:_
Ndinokubhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen.