Shona Methodist Hymns
Hymn 148 Kwaendepi Ishe Jesu Lyrics
Kwaendepi Ishe Jesu
Kufariswa kwangu,
Iko kwandaiva nako,
Pakutanga kwangu?
Kufadziswa kwakadaro,
Pano mwoyo wangu!
Nyamba zvino kwakaenda
Kufadziswa kwangu.
Iko kurasika Jesu
Kwakandinyadzisa;
Pamhidzai kundigam’chira,
Zvino ndinopfidza.
Nemi Mweya woutsvene
Pamhidzai kuuya
Ndinovenga zvakaipa
Zvakandiparadza.
Ndiyamurei Ishe wangu,
Ndisiyane neyo
Midzimu inondirasa,
Yandirasikisa.
Ndive nokufamba nemi,
Ndiri hama yenyu;
Kuti ndikwanise yose,
Mirairo yenyu.