Shona Methodist Hymns
Hymn 52 Wokusuwa! wakanzi Lyrics
Wokusuwa! wakanzi,
Iye Mwana waMwari;
Wakavada vatadzi;
Hareruya! Muponisi!
Vanhu vakamuseka,
wakatongerwa kufa
Panzvimbo yangu ini;
Hareruya! Muponisi!
Isu tiri vatadzi,
Asi iye Mutsvene;
Angatiyananise;
Hareruya! Muponisi!
Wasimutsirwa kufa;
Wakakuwa: ‘zvapera!’
Wakagadzwa kudenga;
Hareruya! Muponisi!
Kana Ishe ouya,
Kuti azotitora,
Tichaimba zvakare,
Hareruya! Muponisi!