Shona Methodist Hymns
Hymn 293 Garai neni! zuva radoka Lyrics
Garai neni! zuva radoka;
Rima rasvika; garai neni!
Vamwe vayamuri vakoniwa
Ishe Muyamuri, garai neni.
Ndinokutsvakai nguva dzose;
Ngoni dzenyu dzokunda muedzi;
Ndimi chete nhungamiri yangu,
Parima, pachena, garai neni.
Handitye kana muri pedyo;
Nhamo haireme, handicheme;
Rufu kukunda kwako kuripi?
Ndokunda kana mugere neni.
Misai muchinjikwa ndotandadza;
Ndivhenekerwe kuti ndione
Kuyedza kunogouya zvino;
Mu’penyu, murufu, garai neni.