Shona Methodist Hymns
Hymn 273 Vana veJerusarema Lyrics
Vana veJerusarema
Vakaimbira Jesu,
Navana vanhasiwo
Vanorumbidza Jesu.
**CHORUS**
Inzwai,
Vadiki voimba,
Inzwai,
Vadiki voimba,
O hozana, o hozana,
O hozana kuna Mambo.
Todzidza kuda Mwari,
Torava shoko rake;
Tigonanga kudenga,
Tigorumbidza Mwari.
Vakuru navaduku
Tinomukurumbidza,
Noku kuwa kukuru
Hozana kuna Mambo..