Shona Methodist Hymns
Hymn 205 Pakudenga kuna baba Lyrics
Pakudenga kuna baba
Kwakanaka kwazvo;
Pakudenga kuna baba
Kunofarwa kwazvo.
Hakupinde chakaipa
Kana chivi chimwe;
Hakupinde zvokurwara
Nechirwere chimwe.
Ndavatsvene ivo vose
Vanogara iko;
Vanomuda vanamate
Iye Mwari wavo.
Vakawana musha wavo
Musha wakagara;
Vakawanawo upenyu
Husingapfuure.
Ndiri mweni nyika ino
Ndinosuva denga;
Ngandipinde nemi Jesu
Ndiende kudenga.