Shona Methodist Hymns
Hymn 2 Imbai masimba nengoni dzake Lyrics
Imbai masimba, nengoni dzake,
Wakafukidzwa nezvinopenya;
Hasha dzake dzose dzinotinhira,
Anofamba-famba pachamupupuri
Ana masimba, wakaisika
Nyika nezvose zviri mairi;
Wakaitsigira nomurairo,
Wakaikombera negungwa yose.
Kufudza kwenyu kusingarehwe,
Kuri pamhepo napakupenya,
Kuri pamakomo nepamakana,
Kuri pane mvura napane dova.
Isu venyika hatine simba.
Tinotarira chete kwamuri;
Tsitsi dzenyu dzose dzisingapere,
Musiki nehama nomununuri.
Muna masimba norudo rwose,
Ngirozi dzinokutunhidzai;
Nesu venyika tokutunhidzai,
Tokurumbidzai kusingapere